Вход на сайт

Просмотр новости

Найдите то, что Вас интересует

WFP Inoti Zimbabwe Inogona Kunge Yatarisana neRimwe Dambudziko reKusanaya Zvakanaka kweMvura

Дата публикации: 18-12-2024 21:22:13

Washington, D.C. — Sangano rinobatsira nechikafu pasi rose reWorld Food Program, WFP, rinoti Zimbabwe inogona kunge yatarisana nerimwe dambudziko rekusanaya zvakanaka kwemvura mumwaka uno wekurima uchangotanga, izvo zvarinoti zvichatowedzera dambudziko renzara ragara ririmo nechakare munyika.
Mutauriri weWFP mudunhu rekuchamhembe kweAfrica, VaTomson Phiri, vakaudza nhepfenyuro yeDW AfricaLink kuti munguva ino varimi vanofanirwa kunge vatove pakati pekudyara nekusakura asi muminda hamuna chati chavemo.
VaPhiri vakati nekuda kwenzara iri munyika pari zvino, sangano ravo pamwe nemamwe masangano anobatsira ari kuita zvose zvaanogona kuunganidza mari yekutengera chikafu vanhu vari kuda rubatsiro.
Vanoti sangano ravo reWFP richamanikidzwa kungoendesa rubatsiro kuvanhu vave kuziya nenzara richisiya vanhu vane nzara asi vasati vave kuziya.
Nyanzvi munyaya dzechikafu uye vakambotungamira sangano reChristian Care, Mufundisi Forbes Matonga vanoti nyika yakasya mvura mumwana uno dambudziko renzara richawedzera zvekudzoka pamakore 1982 na1992 apo pakafa zvipfuwo zvakawanda nekushaya rufuro nemvura.
“Saka vanhu vanga vaita hope kuti iyi iri kunzi Cyclone Chido iyi dai yanga yaunza mvura yakawanda yekungoti at least hova nematsime akwanise kunge anga ave nemvura. Zvino sekutaurwa kwanoitwa kuti zvinoita sekunge kune drought, haa, cylone iyi haina kusimba sematarisirwo azvinofanirwa kuti zviite,”
Mufundisi Matonga vanoti rimwe dambudziko nnderekuti mari yakakumbirwa nehurumende yekuti ikwanise kutenga chikafu chekupa vanhu haina kusvika paitarisirwa.
WFP inoti vanhu vanosvika kumamiriyoni matanhatu vanotarisana nedambudziko gukutu renzara munguva yekuoma kwezvinhu mumwaka wa2024/2025, kana kuti lean season, inove pakati pemwedzi yaNdira naKurume 2025.

Основное содержимое страницы с новостью.

Washington, D.C. — 

Sangano rinobatsira nechikafu pasi rose reWorld Food Program, WFP, rinoti Zimbabwe inogona kunge yatarisana nerimwe dambudziko rekusanaya zvakanaka kwemvura mumwaka uno wekurima uchangotanga, izvo zvarinoti zvichatowedzera dambudziko renzara ragara ririmo nechakare munyika.

Mutauriri weWFP mudunhu rekuchamhembe kweAfrica, VaTomson Phiri, vakaudza nhepfenyuro yeDW AfricaLink kuti munguva ino varimi vanofanirwa kunge vatove pakati pekudyara nekusakura asi muminda hamuna chati chavemo.

VaPhiri vakati nekuda kwenzara iri munyika pari zvino, sangano ravo pamwe nemamwe masangano anobatsira ari kuita zvose zvaanogona kuunganidza mari yekutengera chikafu vanhu vari kuda rubatsiro.

Vanoti sangano ravo reWFP richamanikidzwa kungoendesa rubatsiro kuvanhu vave kuziya nenzara richisiya vanhu vane nzara asi vasati vave kuziya.

Nyanzvi munyaya dzechikafu uye vakambotungamira sangano reChristian Care, Mufundisi Forbes Matonga vanoti nyika yakasya mvura mumwana uno dambudziko renzara richawedzera zvekudzoka pamakore 1982 na1992 apo pakafa zvipfuwo zvakawanda nekushaya rufuro nemvura.

“Saka vanhu vanga vaita hope kuti iyi iri kunzi Cyclone Chido iyi dai yanga yaunza mvura yakawanda yekungoti at least hova nematsime akwanise kunge anga ave nemvura. Zvino sekutaurwa kwanoitwa kuti zvinoita sekunge kune drought, haa, cylone iyi haina kusimba sematarisirwo azvinofanirwa kuti zviite,”

Mufundisi Matonga vanoti rimwe dambudziko nnderekuti mari yakakumbirwa nehurumende yekuti ikwanise kutenga chikafu chekupa vanhu haina kusvika paitarisirwa.

WFP inoti vanhu vanosvika kumamiriyoni matanhatu vanotarisana nedambudziko gukutu renzara munguva yekuoma kwezvinhu mumwaka wa2024/2025, kana kuti lean season, inove pakati pemwedzi yaNdira naKurume 2025.

Схожие новости

#Наименование новостиТональностьИнформативностьДата публикации
1WFP Yotatarika Kuwana Mari yeKubatsira Zimbabwe neDzimwe Nyika Panguva Iyo Nzara Yowedzera08.9216-08-2024
2WFP Iri Kuyambira Kuti Inogona Kutadza Kuwana Chikafu Chinokwanira Zimbabwe neDzimwe Nyika dzemuSADC07.2317-10-2024
3WFP Inoti Kuwana Mari yeKubatsira Zimbabwe neChikafu Kuri Kunetsa010.4220-11-2024
4Kunaya kweMvura Kounza Mufaro Pamwe Nekusuwa muNyika06.5612-11-2024
5Vamwe Vagari vekwaMutoko Vogadzira Vega Chikafu Chezvipfuwo Vachishandisa Michero yeSango05.2906-12-2024
6Vanhu Vorarama neMichero yeMusango kuMbire Vachiti Chikafu Chavari Kupihwa neHurumende Hachisi Kukwana06.0812-10-2024
7Japan neChina Dzobatsira Zimbabwe neChikafu010.8422-08-2024
8Nyaya Yekuti Vakapihwa Mapurazi PachenaVakwanise Kuatengesa Yokonzera Mutauro08.116-10-2024
9 Varimi Vakawanda Vanoti Havasi Kufara Nemari Iri Kuronga Kupihwa Bazi Rezvekurima Mubhajeti Regore Rinouya05.4109-12-2024
10Zimbabwe Yakacherechedza Zuva Rekudyarwa Kwemiti ReNational Tree Planting Day Paine Kurudziro yekuti Veruzhinji Vadyarewo Miti07.1709-12-2024

Классификация: . Схожих патентов: 0. Схожих новостей: 10. Тональность: 0. Информативность: 7.2. Источник: www.voashona.com.