Вход на сайт

Просмотр новости

Найдите то, что Вас интересует

WFP Iri Kuyambira Kuti Inogona Kutadza Kuwana Chikafu Chinokwanira Zimbabwe neDzimwe Nyika dzemuSADC

Дата публикации: 17-10-2024 01:47:46

Nhasi pasi rese racherechedza zuva rekuwanisa vanhu zvekudya kana kuti World Food Day, sangano reWorld Food Program, (WFP) richiti vanhu vanodarika mamiriyoni makumi maviri nemanomwe mudunhu rekuchamhembe kweAfrica vakatarisana nenzara zvinotyisa nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura.
Mutauriri weWFP mudunhu iri VaTomson  Phiri vachitaura vari kuGeneva nezuro vakati nzara iriko haina mukare akamboona uye sesangano vanogona kukundikana kubatsira nyika dziri parumananzombe nekuda kwekushaya zvekudya.
Vakati nyika dzinoti Lesotho, Malawi, Namibia, Zambia neZimbabwe ndidzo dzakatarisana nenzara inotyisa.
 
WFP inoti inoda mari inosvika mamiriyoni mazana matatu nemakumi matanhatu ane mapfumbamwe kana kuti US$369 million asi kusvika parizvino yakawanisa kuwana mamiriyoni makumi manomwe mematatu nezviuru zvisere US$73.8 million chete.
Muzinda weAmerica muZimbabwe wazivisawo kuti uchamira  neZimbabwe munyaya yekurwisa nzara uchiti wakapawo rubatsiro rwemari inosvika mamiriyoni makumi matanhatu nemaviri $62 million kubatsira nyika.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mangagwa vakati Zimbabwe inoda mari inosvika mabhiriyoni matatu nezviuru mazana matatu kana kuti US$3,3 billion kuti ibatsire vari kuyaura nenzara.
Nyanzvi yezvechikafu nebudiriro, uye vaimbove mukuru we sangano reChristian Care muZimbabwe, Mufundisi Forbes Matonga vatenda kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mumatunhu akawanda enyika sezvo vakawanda vasisina chekudya.
 
Основное содержимое страницы с новостью.

Схожие новости

#Наименование новостиТональностьИнформативностьДата публикации
1WFP Yotatarika Kuwana Mari yeKubatsira Zimbabwe neDzimwe Nyika Panguva Iyo Nzara Yowedzera08.9216-08-2024
2WFP Inoti Kuwana Mari yeKubatsira Zimbabwe neChikafu Kuri Kunetsa010.4220-11-2024
3WFP Inoti Zimbabwe Inogona Kunge Yatarisana neRimwe Dambudziko reKusanaya Zvakanaka kweMvura07.218-12-2024
4Japan neChina Dzobatsira Zimbabwe neChikafu010.8422-08-2024
5Kunaya kweMvura Kounza Mufaro Pamwe Nekusuwa muNyika06.5612-11-2024
6Vamwe Vagari vekwaMutoko Vogadzira Vega Chikafu Chezvipfuwo Vachishandisa Michero yeSango05.2906-12-2024
7SADC neMamwe Masangano Anobatsira Vanoti Dunhu Rinoda Rubatsiro neKukasika Kuti Rirwisane neNzara 06.3704-12-2024
8Zimbabwe Yakacherechedza Zuva Rekudyarwa Kwemiti ReNational Tree Planting Day Paine Kurudziro yekuti Veruzhinji Vadyarewo Miti07.1709-12-2024
9 Varimi Vakawanda Vanoti Havasi Kufara Nemari Iri Kuronga Kupihwa Bazi Rezvekurima Mubhajeti Regore Rinouya05.4109-12-2024
10Varimi Votyira Kukanganisirwa Fodya neMvura Yawandisa05.8924-02-2025

Классификация: . Схожих патентов: 0. Схожих новостей: 10. Тональность: 0. Информативность: 7.23. Источник: www.voashona.com.