Вход на сайт

Просмотр новости

Найдите то, что Вас интересует

Kunaya kweMvura Kounza Mufaro Pamwe Nekusuwa muNyika

Дата публикации: 12-11-2024 22:39:41

Mvura yatanga kunaya munzvimbo dzakawanda munyika izvo zviri kupa kuti  varimi vakawanda vafare uye vachitarisira mwaka wakanaka.
 
Asi mvura iyi yakaparadza zvinhu zvakawanda kuMasvingo nekuMidlands.
Varimi vari kuita chipatapata vachigadzirira kudyara zvichitevera kunaya kwemvura.
Nyanzvi dzinongorora mamiriro ekunze dzakazivisa kuti gore rino kuchaita mvura yakawanda
 MuHarare mvura yakatanga kunaya nezuro manheru asi mune dzimwe nzvimbo yatanga nhasi.
Mumwe murimi, Amai Cathy Manhanga, vati chibage chavo chichakura zvakanaka. Vati, ‘Isu tiri kutoifarira zvekuti nekuti tine chibage chatakadyara nemvura  yekutanga chakatomera saka tiri kutofara kuti chibage ichi chave kutokura.’
Mumwe murimi, Sekuru Taurai Zvirimumoyo, vanoti havasati vadyara  nekuti vanoda kutanga vaona kuti mvura  yatouya  zvachose here. Sekuru Zvirimumoyo vati, ‘Mvura iyi tisati tatanga kudyar tiri kuti dai yambonyatsototesaa pasi tochizodyara mbeswa dzacho nekuti mukore uno mvura yacho haichakurumidzi kunaya sezvayaiita makare.’
Mutungamiriri werimwe sangano rinomirira varimi, re Zimbabwe Integrated Commercial Farmers Union, Amai Mandiitawepi Jiti,  vaudzawo Studio 7 kuti kunyange nzvimbo zhinji dzakawana mvura yekuti varimi vatange kudyara, varimi vakatarisana nematambudziko makukutu. Vati,  “Dambudziko riri kusangana nevarimi nderekushaya zvikwanisiro zvinosanganisira mbeu, fotireza uye mafuta ekufambisa dzimotokari anotengwa nemari yemuno.”
Vaenderera mberi vachiti, “Varimi vari kuwana mitengo yembeu nefotireza zvichidhura. Izvi zvanyanya kuomera varimi nemhaka yekuti mwaka wadarika zvirimwa zvavo zvakatsva nekushaya mvura. Kushaikwa kwemagetsi nemvura  kwaitawo kuti varimi vakundikane kudiridzira vachishaya mari yekutenga zvekushandisa mwaka uno.”
 Nyanzvi munyaya dzekurima vachishanda nekambani yembeu yeSeed Co, Amai Wendy Madzura, vati vanonzwisisa mufaro une mvarimi sezvo mwaka wapera wange usina kumira zvakanaka. Vati,  “Varimi woye mvura  yanaya iyi ndiyo mvura yekuti muchipinda mumunda. Asi vati mvura ichanaya zvichiemderana nenzvimbo.
Vatiwo kunaya kuri kuitika munyika kunoenderana nezvakautaurwa nenyanzvi dzemamiriro ekunze dzinoshanda kuMeteorological Department kuti mvura ichanaya  kutanga svondo rino kusvika rinotevera.
 Meteorological Department iri kukurudzira  varimi kuti vatore matanho ekuzvhichengetdza kana mvura  ikauya neukasha sezviri kuitika kune dzimwe nzvimbo.  
Bazi iri riri kukurudzirawo kuti varimi vashande nenyanzvi kubva kumapazi ehurumende anoona nezvekuchengetedzwa kwevanhu. 
Mvura inonzi yakaparadza misha nezvikoro kune dzimwe nzvimbo kumatunhu eMidlands neMasvingo.
 
Asi  hatina kuwanisa kunzwa zvizere nezvenyaya iyi sezvo mukuru mubazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwevanhu reCivil Protection Unit, VaNathan Nkomo, vasina kukwanisa kutaura ne Studio7 sezvo vati vange vari mumusangano.
Gore rapera  nyika yakaita nzara mushure mekunge mvura  yatadza kunaya zvakanaka izvo zvakakonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze.You 
Sangano reWorld Food Program rinoti vanhu vanodarika mamiriyoni manomwe vakatarisana nenzara muZimbabwe.

Основное содержимое страницы с новостью.

Схожие новости

#Наименование новостиТональностьИнформативностьДата публикации
1Nyaya Yekuti Vakapihwa Mapurazi PachenaVakwanise Kuatengesa Yokonzera Mutauro08.116-10-2024
2Varimi Votyira Kukanganisirwa Fodya neMvura Yawandisa05.8924-02-2025
3Vamwe Vakaremara Vanoti Vari Kutarisira Kukohwa Pakuru07.5412-02-2025
4Vamwe Vagari vekwaMutoko Vogadzira Vega Chikafu Chezvipfuwo Vachishandisa Michero yeSango05.2906-12-2024
5 Varimi Vakawanda Vanoti Havasi Kufara Nemari Iri Kuronga Kupihwa Bazi Rezvekurima Mubhajeti Regore Rinouya05.4109-12-2024
6Vanhu Vorarama neMichero yeMusango kuMbire Vachiti Chikafu Chavari Kupihwa neHurumende Hachisi Kukwana06.0812-10-2024
7WFP Inoti Zimbabwe Inogona Kunge Yatarisana neRimwe Dambudziko reKusanaya Zvakanaka kweMvura07.218-12-2024
8Varimi vekuGokwe Vorima Mavise07.5431-10-2024
9Apo Mvura Iri Kuenderera Mberi Kunaya muNyika, Varimi Vari kuKurudzirwa Kuchidyara Mbeu Dzinokasika Kuibva 07.0306-01-2025
10WFP Inoti Kuwana Mari yeKubatsira Zimbabwe neChikafu Kuri Kunetsa010.4220-11-2024

Классификация: . Схожих патентов: 0. Схожих новостей: 10. Тональность: 0. Информативность: 6.56. Источник: www.voashona.com.