Вход на сайт

Просмотр новости

Найдите то, что Вас интересует

WFP Inoti Kuwana Mari yeKubatsira Zimbabwe neChikafu Kuri Kunetsa

Дата публикации: 20-11-2024 18:31:25

World Food Program (WFP) inoti kusvika pari zvino yawana mamiriyoni makumi mashanu (US$50million) pamamiriyoni mazana maviri nerimwe (US$201) emari yainoda kubatsira vane nzara muZimbabwe.
Izvi zvazivisa nemukuru weWFP muZimbabwe, Amai Barbra Clemens, apo vaisanirana chibvumirano nemumiriri weJapan muZimbabwe VaYamanaka Shinichi chekuti nyika iyi ibatsire varimi vekumaruwa nemamiriyoni mashanu nezviru mazana maviri zvemadhora (US$5.2 million).
Mari iyi ichashandiswa mukuwnisa varimi mvura yemadiridziro, kurima zvirimwa zvisingadi mvura yakawanda pamwe nekudzidzisa nekukwenenzvera ruzivo rwemadhumeni.
Amai Clemens vanoti kusanaya zvakanakana kwemvura kwapa kuti vanhu vakawanda vade kubatsirwa nezvekudya. Vati, “Tichabatsira vanhu nechikafu paUS$57 million yatawana uye tichabatsirawo hurumende kuendesa chikafu kunzvimbo dzese dzine nzara”
VaShinichi vati mari yavapa kuWFP ichabatsira vanhu zviuru makumi matatu nezvinonomwe nemazana mashanu mumawadhi gumi nemashanu kuMasvingo , Manicaland neMash Central.
Vatiwo varimi, “Makambani ekuJapan achabatsira varimi vemuZimbabwe kutengesa runinga kuJapan pamwe nepasi rese kuti vawane pundutso pakurima kwavo”
Munyori mukuru bazi rezvekurima Muzvinafundo Obert Jiri vatendawo Japan nekuramba ichitsigira Zimbabwe vachiti rubatsiro rwemari yavapihwa nhasi rwakakosha pakuburitsa vana veZimbabwe munzara.
Hurumende yeZimbabwe inoti vanhu vanodariaka mamiriyoni mapfumbamwe vakatarisana nenzara.
Vari kumamisha vari kuchema chemawo kuti zvipfuyo zvavo zvakaita semombe zvave kufa nekushaya mvura nesora rekufura.
Muna Kurume, United Nations nemapoka ayo ese muZimbabwe yakazivisa kuti yainge yave kutsvaga mari inodarika mazana mana kana kuti US$430 million yekubatsira vanhu nechikafu uye WFP inoti pamari iyi iyo yaida US$201 million.
Mutungamiriri wenyika, VaEmmersom Mnangagwa vakaparura chikumbiro cheUS$3.3 Billion yekutenga chikafu pamwe nekutsigira mabasa ekurima.
Kuwana mari yekubatsira vanhu vakatarisana nenzara pasi pose kuri kunetsa zvawedzera nehondo dziri kuMIddle East, kuUkraine, Sudan nedzimwe nzvimbo.
United Nations inoti vanhu mamiriyoni mazana maviri nemakumi masere nemaviri kana kuti 282 million munyika makumi mashanu nepfumbamwe vakatarisana nenzara pasi rose.
 
Основное содержимое страницы с новостью.

Схожие новости

#Наименование новостиТональностьИнформативностьДата публикации
1WFP Iri Kuyambira Kuti Inogona Kutadza Kuwana Chikafu Chinokwanira Zimbabwe neDzimwe Nyika dzemuSADC07.2317-10-2024
2WFP Yotatarika Kuwana Mari yeKubatsira Zimbabwe neDzimwe Nyika Panguva Iyo Nzara Yowedzera08.9216-08-2024
3Japan neChina Dzobatsira Zimbabwe neChikafu010.8422-08-2024
4WFP Inoti Zimbabwe Inogona Kunge Yatarisana neRimwe Dambudziko reKusanaya Zvakanaka kweMvura07.218-12-2024
5Kunaya kweMvura Kounza Mufaro Pamwe Nekusuwa muNyika06.5612-11-2024
6Vamwe Vagari vekwaMutoko Vogadzira Vega Chikafu Chezvipfuwo Vachishandisa Michero yeSango05.2906-12-2024
7 Varimi Vakawanda Vanoti Havasi Kufara Nemari Iri Kuronga Kupihwa Bazi Rezvekurima Mubhajeti Regore Rinouya05.4109-12-2024
8Nyaya Yekuti Vakapihwa Mapurazi PachenaVakwanise Kuatengesa Yokonzera Mutauro08.116-10-2024
9Varimi Votyira Kukanganisirwa Fodya neMvura Yawandisa05.8924-02-2025
10Vamwe Vakaremara Vanoti Vari Kutarisira Kukohwa Pakuru07.5412-02-2025

Классификация: . Схожих патентов: 0. Схожих новостей: 10. Тональность: 0. Информативность: 10.42. Источник: www.voashona.com.