Вход на сайт

Просмотр новости

Найдите то, что Вас интересует

WFP Yotatarika Kuwana Mari yeKubatsira Zimbabwe neDzimwe Nyika Panguva Iyo Nzara Yowedzera

Дата публикации: 16-08-2024 01:34:57

Sangano reUnited Nations World Food Prgramme rinobatsira nyika dzepasi rino nechikafu rinoti riri kutatarika kuunganidza mari inosvika mamiriyoni mazana mana kana kuti 400 million kubatsira nyika dzekuchamhembe kweAfrica kusanganisira Zimbabwe dzatarisana nedambudziko renzara isina mukare akamboona.
Mutauriri weWFP VaTomson Phiri vaudza nhepfenyuro yeReuters kuti kusvika parizvino vakwanisa kuunganidza zvikamu makumi maviri kubva muzana kana kuti 20% chete zvemari iri kudiwa kutengera vanhu zvekudya.
Mashoko aya ari kuuyawo panguva iyo rimwe sangano rinoita tsvakiridzo panyaya yezvekudya nemamiriro ekunze reFamine Early Warning Systems Network kana kuti Fews Net riri kuti nyika dzekuchamhembe kweAfrica hadzichisina chikafu.
Huwandu hwevanhu vari kuda chikafu munyika dzakaita seZimbabwe, Malawi, Zambia neDRC hunosvika mamiriyono makumi matatu kubva muna Gumiguru kusvika muna Kurume gore rinouya.
Hurumende nemasangano akazvimirira oga ari kukurudzirwa kubatsira WFP kutengera vanhu ava zvekudya.
Vaimbotungamira sangano rinoshanda neWFP pakugovera chikafu reVChristian Care VaForbes Matonga vaudza Studio 7 kuti kushaikwa kwemari pauya nguva yakaipa apo mvura yave kunetsawo kuwana.
 
Основное содержимое страницы с новостью.

Схожие новости

#Наименование новостиТональностьИнформативностьДата публикации
1WFP Inoti Zimbabwe Inogona Kunge Yatarisana neRimwe Dambudziko reKusanaya Zvakanaka kweMvura07.218-12-2024
2WFP Iri Kuyambira Kuti Inogona Kutadza Kuwana Chikafu Chinokwanira Zimbabwe neDzimwe Nyika dzemuSADC07.2317-10-2024
3WFP Inoti Kuwana Mari yeKubatsira Zimbabwe neChikafu Kuri Kunetsa010.4220-11-2024
4Japan neChina Dzobatsira Zimbabwe neChikafu010.8422-08-2024
5Vanhu Vorarama neMichero yeMusango kuMbire Vachiti Chikafu Chavari Kupihwa neHurumende Hachisi Kukwana06.0812-10-2024
6Kunaya kweMvura Kounza Mufaro Pamwe Nekusuwa muNyika06.5612-11-2024
7Vamwe Vagari vekwaMutoko Vogadzira Vega Chikafu Chezvipfuwo Vachishandisa Michero yeSango05.2906-12-2024
8 Varimi Vakawanda Vanoti Havasi Kufara Nemari Iri Kuronga Kupihwa Bazi Rezvekurima Mubhajeti Regore Rinouya05.4109-12-2024
9Nyaya Yekuti Vakapihwa Mapurazi PachenaVakwanise Kuatengesa Yokonzera Mutauro08.116-10-2024

Классификация: . Схожих патентов: 0. Схожих новостей: 9. Тональность: 0. Информативность: 8.92. Источник: www.voashona.com.