Вход на сайт

Просмотр новости

Найдите то, что Вас интересует

Varimi Votyira Kufa kweZvipfuyo Zvavo Sezvo Chirwere cheAnthrax Chouraya Mhuka dzeMusango

Дата публикации: 31-08-2024 16:32:37

 Hurumende inoti mhuka makumi masere dzinosanganisira nzou, nhoro, nyathi, makudo nedzimwe dzakafa mwedzi uno mushure mekubatwa nechirwere cheAnthrax kuGonarezhou National Park.
Muchiziviso kuvarimi neveruzhinji, mukuru anoona nezvehutano hwemuka mubazi rekurima, reVeterinary Services, Doctor Pious Makaya, vati musi was 20 mwedzi uno vakaudzwa nebazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka dzemusango reZimparks kuti mhuka dzakasiyana siyana dzainge dziri kufa kuGonarezhou uye bazi ravo neZimparaks rakabva vatanga kuongororo kuti chii chaiuraya mhuka idzi.
Vati , “Ongororo yakaitwa kuVictoria Falls Wildlife Laboratory yakaburitsa kuti mhuka idzi dzainge dzafa neAntrax."
Vaenderara mberi vachiti, " Musi wa27 mwedzi uno takaziviswa kuti nzou imwe, nyathi makumi maviri nepfumbamwe, nhoro gumi nesere, mhara mbiri, makudo maviri, mbizi imwe nenyala imwe dzainge dzaurawa neAnthrax.”
Dr Makaya vati vachaongororawo mhuka dzinenge dzafa mune dzimwe nzvimbo dzakaita seMasvingo neHarare.
 
Vatiwo ongororo yakaitwa munharaunda yakatenderedza Gonarezhou inoratidza kuti hapana mombe dzati dzafa nekuda kwechirwere ichi vachiti izvi zvinogona kureva kuti chirwere ichi chichiri muGonarezhou National Park chete.
Vaenderera mberi vachiti senzira yekudzivirira chirwere ichi, icho chinobatawo mombe nevanhu, mombe zviuru makumi masere (80 000) dziri munharaunda dzakatenderedza Gonarezhou dziri kubaiwa mushonga wekudzivirira chirwere ichi
Mukuru weVeterinary Services kuMasvingo, Dr Krammer Manyetu, vati bazi ravo, rehutano pamwe neZimparks vari kukurudzira  veruzhinji kuti vamhan’are  mhuka kana mombe dzinenge dzafa kuti dziongororwe uye vasadya nyaya yavasingazive kuti yabva kupi.
Vati, “Tinokurudzira veruzhinji kuti vatenge nyaya kubva kumabhucha ari pamutemo, anotengesa nyama inobva kumombe dzakaurawa munzvimbo dziri pamutemo uye kuti vasatenga nyama mumigwagwa.”
Vatiwo bazi ravo rakatobaya majekiseni ekudzivirira  Anthrax kumombe zviuru makumi mashanu nezvishanu (55 000) kuBikita, Zaka neMasvingo dzinove nzvimbo dzinowanzoita chirwere ichi nguva nenguva.
Mukuru werimwe sangano rinomirira varimi munyika, reZimbabwe Farmers Union, VaPaul Zakariya, vakurudzira varimi kuti veterere chenjedzo yeVeterinary Services nemamwe mapazi ehurumende kuti vachengetedze hutano nehupfumi hwavo.
VaZakaria vati, “Saka tinenge tichitarisira kuti vanhu ngatitewedzere zviga kana zvisungo zvinenge zvaiswa ipapo kuti tisarasikirwa nehupfumi hwatiinhawo, mombe dzedu dzatinadzo.”         
Kutanga kwegore rino Anthrax yakauraya mombe makumi matatu nenhatu kuChipinge Gokwe neHurungwe ikabatawo vanhu mazana mashanu negumi nevasere asi hapana akafa.
Dr Makaya vanoti Zimbabwe inoda majekiseni (doses) mamiriyoni maviri kuti ikwanise kudzivirira chirwere ichi kumombe dzese munyika.
Zvichakadaro, mutauriri weZimparks VaTinashe Farawo vaudza Studio 7 kuti pane mumwe murume akafa kuKariba atsikwa nenzou. Vakurudzira vanhu kuti vasafambe husiku sezvo pari ipo panorura zvikara zvesango 
Mumakore mashanu adarika, vanhu vanosvika mazana mana vaurayiwa nemhuka dzemusango idzo dzave kuendawo kune misha dzichitsvaga mvura nezvekudya nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura.
 
Основное содержимое страницы с новостью.

Схожие новости

#Наименование новостиТональностьИнформативностьДата публикации
1Kunaya kweMvura Kounza Mufaro Pamwe Nekusuwa muNyika06.5612-11-2024
2Vanhu Vorarama neMichero yeMusango kuMbire Vachiti Chikafu Chavari Kupihwa neHurumende Hachisi Kukwana06.0812-10-2024
3Vamwe Vakaremara Vanoti Vari Kutarisira Kukohwa Pakuru07.5412-02-2025
4Apo Mvura Iri Kuenderera Mberi Kunaya muNyika, Varimi Vari kuKurudzirwa Kuchidyara Mbeu Dzinokasika Kuibva 07.0306-01-2025
5Nyaya Yekuti Vakapihwa Mapurazi PachenaVakwanise Kuatengesa Yokonzera Mutauro08.116-10-2024
6Vamwe Vagari vekwaMutoko Vogadzira Vega Chikafu Chezvipfuwo Vachishandisa Michero yeSango05.2906-12-2024
7 Varimi Vakawanda Vanoti Havasi Kufara Nemari Iri Kuronga Kupihwa Bazi Rezvekurima Mubhajeti Regore Rinouya05.4109-12-2024
8Varimi vekuGokwe Vorima Mavise07.5431-10-2024
9Varimi Votyira Kukanganisirwa Fodya neMvura Yawandisa05.8924-02-2025

Классификация: . Схожих патентов: 0. Схожих новостей: 9. Тональность: 0. Информативность: 8.71. Источник: www.voashona.com.