Washington, D.C. — Imwe nyanzvi mune zvekurima vari murimi ane mukurumbira kuMacheke kuMashonaland East, VaValentine Ziswa, vari kukurudzira varimi kuti vashandise mukana wemvura iri kunaya mazuva ano vaenderere mberi nekudyara mbeu dzinokasika kuibva.
Vamwe varimi vanonzi vave kumanikidzwa kudyara patsva mushure mekunge zvirimwa zvavo zvakanga zvamera nemvura yakatanga kunaya zvatsva nezuva rakambenge rakabata nyika mazuva adarika.
Kunonoka kunaya kwemvura kunonziwo kwakanga kwakanganisa zvirimwa mumatunhu akawanda emunyika anosanganisira Matabeleland South.
Asi mukuru weAgritex mudunhu reMatabeleland South, VaMkhunjulelwa Ndlovu, vakaudza bepanhau reSouthern Eye kuti mamiriro ezvinhu ave nani zvichitevera kunaya kuri kuita mvura.
VaZiswa vanoti mvura iri kunaya munyika mazuva ano haisati zvayo yazadza nzizi nemadhamhu asi, asi vachiti yakanakira zvipfuwo sezvo mafuro ave kuwanikwa mumatunhu akawanda.
Vanotiwo varimi vanofanirwa kungwarira zvirwere zvakawanda zvinobata zvipfuwo munguva ino yekunaya kwemvura, zvakaita se january disease nezvimwe.
Washington, D.C. —
Imwe nyanzvi mune zvekurima vari murimi ane mukurumbira kuMacheke kuMashonaland East, VaValentine Ziswa, vari kukurudzira varimi kuti vashandise mukana wemvura iri kunaya mazuva ano vaenderere mberi nekudyara mbeu dzinokasika kuibva.
Vamwe varimi vanonzi vave kumanikidzwa kudyara patsva mushure mekunge zvirimwa zvavo zvakanga zvamera nemvura yakatanga kunaya zvatsva nezuva rakambenge rakabata nyika mazuva adarika.
Kunonoka kunaya kwemvura kunonziwo kwakanga kwakanganisa zvirimwa mumatunhu akawanda emunyika anosanganisira Matabeleland South.
Asi mukuru weAgritex mudunhu reMatabeleland South, VaMkhunjulelwa Ndlovu, vakaudza bepanhau reSouthern Eye kuti mamiriro ezvinhu ave nani zvichitevera kunaya kuri kuita mvura.
VaZiswa vanoti mvura iri kunaya munyika mazuva ano haisati zvayo yazadza nzizi nemadhamhu asi, asi vachiti yakanakira zvipfuwo sezvo mafuro ave kuwanikwa mumatunhu akawanda.
Vanotiwo varimi vanofanirwa kungwarira zvirwere zvakawanda zvinobata zvipfuwo munguva ino yekunaya kwemvura, zvakaita se january disease nezvimwe.
| # | Наименование новости | Тональность | Информативность | Дата публикации |
|---|---|---|---|---|
| 1 | Vamwe Vakaremara Vanoti Vari Kutarisira Kukohwa Pakuru | 0 | 7.54 | 12-02-2025 |
| 2 | Kunaya kweMvura Kounza Mufaro Pamwe Nekusuwa muNyika | 0 | 6.56 | 12-11-2024 |
| 3 | Vanhu Vorarama neMichero yeMusango kuMbire Vachiti Chikafu Chavari Kupihwa neHurumende Hachisi Kukwana | 0 | 6.08 | 12-10-2024 |
| 4 | Varimi vekuGokwe Vorima Mavise | 0 | 7.54 | 31-10-2024 |
| 5 | Varimi Vakawanda Vanoti Havasi Kufara Nemari Iri Kuronga Kupihwa Bazi Rezvekurima Mubhajeti Regore Rinouya | 0 | 5.41 | 09-12-2024 |
| 6 | Varimi Votyira Kufa kweZvipfuyo Zvavo Sezvo Chirwere cheAnthrax Chouraya Mhuka dzeMusango | 0 | 8.71 | 31-08-2024 |
| 7 | Varimi Votyira Kukanganisirwa Fodya neMvura Yawandisa | 0 | 5.89 | 24-02-2025 |
| 8 | Vamwe Vagari vekwaMutoko Vogadzira Vega Chikafu Chezvipfuwo Vachishandisa Michero yeSango | 0 | 5.29 | 06-12-2024 |
| 9 | Vamwe Varimi Vanoti Vari Kufara neZvakabuda muMusangano weKuzeya Nyaya yeKuti Vave Varidzi veMinda | 0 | 8.16 | 17-12-2024 |
| 10 | Mombe Dzakawanda Dzofa Nekushaya Mvura neMafuro | 0 | 9.38 | 11-11-2024 |