Вход на сайт

Просмотр новости

Найдите то, что Вас интересует

Varimi Votyira Kukanganisirwa Fodya neMvura Yawandisa

Дата публикации: 24-02-2025 12:26:23

CHINHOYI — Varimi vefodya vakawanda vari kuchema chema vachiti kunaya zvakanyanya kuri kuita mvura kuchakanganisa zvikuru fodya yavo izvo zvichaita kuti itengwe nemari iri pasi sezvo fodya iyi inenge yave yemhando isiri yepamusoro soro.
Varimi ava vanoti mvura iri kunaya zvakanyanya zviri kuita kuti fodya isa rohwe nezuva iro rakakosha kana fodya yava pedyo kukohwewa.
Mumwe murimi wekuMhangura mudunhu reMashonaland West, VaJimmy Nhokwara vanoti, “Iyezvino mvura yawandisa pamwe inenge iyine hukasha zvekuboora nekubvarura mashizha.”
VaNhokwara vanoti kubvarurwa kwemashizha kunodzikisa hunaku refodya zvinozovawanisa mari shoma.
Vaenderera mberi vachiti, “Fodya inozotengwa nemari shoma nekuti inenge yave negiredhi repasi.”
Mumwe murimi wekuMacheke mudunhu reMashonaland East, VaChrispen Chirume, vanoti kuwandisa kwemvura kuri kuibvisa fodya yakawanda nguva imwechete zvinowanza basa munguva pfupi.
VaChirume vanoti, “Zvinoita kuti fodya itsvukuruke nguva imwechete zvinotimanikidza kuita basa rakawanda munguva pfupi.”
Mukuru werimwe sangano rinomiririra varimi reZimbabwe Intergrated Commercial Farmers Union, Amai Mayiwepi Jiti, vanoti mamiriro ekunze ari kukanganisa hunaku hwefodya.
Amai Jiti vaudza Studio 7 kuti, “Mamiriro ekunze ave kukanganisa hunaku hwefodya.”
Panyaya yekupiswa kwe fodya, Amai Jiti vanoti varimi vakawanda vachiri kushandisa huni vachiti kushandiswa kwemapuranga ayo anokurudzirwa kuchiri kushoma.
Vakafanobata chigaro chemutauriri webazi reForestry Department muChinhoyi, VaWisdom Nduku, vanoti pane kuwedzera kwekusima miti nevarimi vefodya gore rapera zvichienzaniswa nemamwe makore.
Mutauriri werimwe sangano rinoona nezvekutengeswa kwefodya reTobacco Industry and Marketing Board, TIMB, Muzvare Chelessani Moyo, vanoti vari kutarisira kutengeswa kwefodya yemhando yepamusoro uye yakaomeswa zvakakwana.
Bazi rinoona nezve mamiriro ekunze munyika reMeteorological Services Department rinoti mvura yekunaya ichiripo munyika izvo zvicharamba zvichakanganisa hunaku hwefodya iyo ichatanga kutengeswa musiwa 6 Kurume gore rino.
Zimbabwe iri kutarisira kukohwa fodya inosvika makirogiramu mamiriyoni mazana matatu gore rino.
 
Основное содержимое страницы с новостью.

CHINHOYI — 

Varimi vefodya vakawanda vari kuchema chema vachiti kunaya zvakanyanya kuri kuita mvura kuchakanganisa zvikuru fodya yavo izvo zvichaita kuti itengwe nemari iri pasi sezvo fodya iyi inenge yave yemhando isiri yepamusoro soro.

Varimi ava vanoti mvura iri kunaya zvakanyanya zviri kuita kuti fodya isa rohwe nezuva iro rakakosha kana fodya yava pedyo kukohwewa.

Mumwe murimi wekuMhangura mudunhu reMashonaland West, VaJimmy Nhokwara vanoti, “Iyezvino mvura yawandisa pamwe inenge iyine hukasha zvekuboora nekubvarura mashizha.”

VaNhokwara vanoti kubvarurwa kwemashizha kunodzikisa hunaku refodya zvinozovawanisa mari shoma.

Vaenderera mberi vachiti, “Fodya inozotengwa nemari shoma nekuti inenge yave negiredhi repasi.”

Mumwe murimi wekuMacheke mudunhu reMashonaland East, VaChrispen Chirume, vanoti kuwandisa kwemvura kuri kuibvisa fodya yakawanda nguva imwechete zvinowanza basa munguva pfupi.

VaChirume vanoti, “Zvinoita kuti fodya itsvukuruke nguva imwechete zvinotimanikidza kuita basa rakawanda munguva pfupi.”

Mukuru werimwe sangano rinomiririra varimi reZimbabwe Intergrated Commercial Farmers Union, Amai Mayiwepi Jiti, vanoti mamiriro ekunze ari kukanganisa hunaku hwefodya.

Amai Jiti vaudza Studio 7 kuti, “Mamiriro ekunze ave kukanganisa hunaku hwefodya.”

Panyaya yekupiswa kwe fodya, Amai Jiti vanoti varimi vakawanda vachiri kushandisa huni vachiti kushandiswa kwemapuranga ayo anokurudzirwa kuchiri kushoma.

Vakafanobata chigaro chemutauriri webazi reForestry Department muChinhoyi, VaWisdom Nduku, vanoti pane kuwedzera kwekusima miti nevarimi vefodya gore rapera zvichienzaniswa nemamwe makore.

Mutauriri werimwe sangano rinoona nezvekutengeswa kwefodya reTobacco Industry and Marketing Board, TIMB, Muzvare Chelessani Moyo, vanoti vari kutarisira kutengeswa kwefodya yemhando yepamusoro uye yakaomeswa zvakakwana.

Bazi rinoona nezve mamiriro ekunze munyika reMeteorological Services Department rinoti mvura yekunaya ichiripo munyika izvo zvicharamba zvichakanganisa hunaku hwefodya iyo ichatanga kutengeswa musiwa 6 Kurume gore rino.

Zimbabwe iri kutarisira kukohwa fodya inosvika makirogiramu mamiriyoni mazana matatu gore rino.

Схожие новости

#Наименование новостиТональностьИнформативностьДата публикации
1Kunaya kweMvura Kounza Mufaro Pamwe Nekusuwa muNyika06.5612-11-2024
2Nyaya Yekuti Vakapihwa Mapurazi PachenaVakwanise Kuatengesa Yokonzera Mutauro08.116-10-2024
3 Varimi Vakawanda Vanoti Havasi Kufara Nemari Iri Kuronga Kupihwa Bazi Rezvekurima Mubhajeti Regore Rinouya05.4109-12-2024
4Vamwe Vakaremara Vanoti Vari Kutarisira Kukohwa Pakuru07.5412-02-2025
5Vamwe Vagari vekwaMutoko Vogadzira Vega Chikafu Chezvipfuwo Vachishandisa Michero yeSango05.2906-12-2024
6Vanhu Vorarama neMichero yeMusango kuMbire Vachiti Chikafu Chavari Kupihwa neHurumende Hachisi Kukwana06.0812-10-2024
7Varimi vekuGokwe Vorima Mavise07.5431-10-2024
8Vamwe Varimi Vanoti Vari Kufara neZvakabuda muMusangano weKuzeya Nyaya yeKuti Vave Varidzi veMinda 08.1617-12-2024
9WFP Inoti Zimbabwe Inogona Kunge Yatarisana neRimwe Dambudziko reKusanaya Zvakanaka kweMvura07.218-12-2024
10Apo Mvura Iri Kuenderera Mberi Kunaya muNyika, Varimi Vari kuKurudzirwa Kuchidyara Mbeu Dzinokasika Kuibva 07.0306-01-2025

Классификация: . Схожих патентов: 0. Схожих новостей: 10. Тональность: 0. Информативность: 5.89. Источник: www.voashona.com.