Вход на сайт

Просмотр новости

Найдите то, что Вас интересует

Vamwe Vakaremara Vanoti Vari Kutarisira Kukohwa Pakuru

Дата публикации: 12-02-2025 19:55:23

Vamwe varimi vakaremara vari mune dzimwe nzvimbo dzenyika vari kutambira nemufaro manairo emvura  mwaka uno vachiti kana yakaramba ichinaya saizvozvi zvirimwa zvavo zvinokura zvakanaka izvo zvinozogona kuvapa goho rakanaka nekupedza nzara iri munyika. 
Vamwe varimi vari kufara kuti vanogonawo kukohwa pakuru vari kumaruwa emumatunhu eMasvingo, Midlands neManicaland. Amai Memory Masunga, veku Wadhi 12 kwaChivi kuMasvingo vanoti gore rino  Nyadenga anenge ari kuvaona.
Amai Masunga vati,  “Pakanaya mvura takafara,  tiri kutotarisira goho rakanaka.” Vaenderera mberi vachiti, “Mbambaira tiri kurima kunyangwe minda mizhinji yataiona ichirarira iri kurimwa,”
Mudunhu reMasvingo, matunhu mazhinji akaita seGutu, Chivi, Mwenezi neZaka dzakawana mvura iri nani mwaka uno.
Varimi vakaremara vakarima mbesa dzakaita sechibage, mhunga, rukweza nemapfunde izvo zvavanoti zvichavapa chikafu uye vogona kutengesa kuti vawane mari voraramisa mhuri nekuendesa vana kuzvikoro.
Mumwewo murimi akaremara ari kwaMapanzure kuZvishavane mudunhu reMidlands, Amai Judith Makasi, vanoti zvakaramba zvakadai gore rino havamiriri rubatsiro rwechikafu.  “Vanhu vazhinji vane hurema vakarima  nemvura yaMwari iyi zvekuti zviya zvekuda kupihwa chete zvichaita zvishoma.” Amai Makasi vaudza Studio 7.
Asi kune dzimwe nzvimbo dzakaita seHurungwe nekuKaroi kuMashonaland West vamwe varimi vakaremara vari kuchema chema kuti mvura haisi kunaya zvakanaka izvo zvavave kutyira kuti zvinogona kuwedzera nzara.  
Mumwe murimi anofamba nemadondoro, VaWitness Kachingwe vekuKaroi vati, “Isu kuno kuMash West hazvina kumira mushe, mvura haisi kunaya zvakanaka zvekuti sevanhu vakaremara togona kutarisana neimwe nzara yakakurisa kubva pane yegore rapera.”
Mukuru wesangano rinomirira vakaremara, reDisability Amalgamation Community Trust (DACT), VaHenry Chivhanga, vanoti kunzvimbo idzi vamwe vakaremara vakashaya zvikwanisiro.
Vati, “Kune vakaremara vanhu vazhinji  vange vasina kurima nekuti zvikwanisiro zvange zvakatarangana uye kana kune vakazowana rubatsiro rwepfumvudza rwakauya nguva yaatipfuurei”  
Munyori mukuru mubazi regurukota reMasvingo, Dr Admore Pazvakavamba, vanoti mvura yakanaya zvakanaka mudunhu ravo. Vati,  “Muno muMasvingo takapa vanhu vanosvika 1 million vanosanaganisira vakaremara mbeu, fotereza.”  Vatiwo, “Mbeu dziri kunakidza mvura iri kunaya.”
Munyori mukuru mubazi rezvekurima, Muzvinafundo Obert Jiri, vakaudza vatori venhau kuti vari kufadzwa nemamiriro akaita zvirimwa nezvipfuyo mwaka uno, uye vanotarisira kuti goho regore rino rinenge riri nani kudarika mwaka wadarika.
Vanomirira sangano revabereki vevana vakaremara, reZimbabwe Parents of the Handicapped, VaRonald Mazango, vanoti kunaya zvakanaka kwemvura mune mamwe matunhu emunyika kuchabatsira vabereki vakaita saivo.
VaMazango vati, “Isu sevabereki vevana vakaremara tiri kufara zvikuru saka mari yataitengesa chikafu yakuchengetedzeka , vamwe vana vedu vari passpecial diet saka tikazadza matura tokwanisa kutengesa tichivatengera zvimwe zvikafu zvakakosha”
Doctor Pazvakavambwa vanoti madhamu mazhinji emuMasvingo akazara kusanganisira reMutirikwi iro rakazarisa zvekufashukira.
 
Kunyange hazvo mamwe matunhu ari kufara kuti mvura iri kuyana zvakanaka, matunhu eMatabeleland South neMatabeleland North anonzi haasi kuwana mvura yakaringana zvekuti zvakaramba zvakadai nzara inogona kuramba irimo.

Основное содержимое страницы с новостью.

Схожие новости

#Наименование новостиТональностьИнформативностьДата публикации
1Kunaya kweMvura Kounza Mufaro Pamwe Nekusuwa muNyika06.5612-11-2024
2Varimi vekuGokwe Vorima Mavise07.5431-10-2024
3Nyaya Yekuti Vakapihwa Mapurazi PachenaVakwanise Kuatengesa Yokonzera Mutauro08.116-10-2024
4Vanhu Vorarama neMichero yeMusango kuMbire Vachiti Chikafu Chavari Kupihwa neHurumende Hachisi Kukwana06.0812-10-2024
5 Varimi Vakawanda Vanoti Havasi Kufara Nemari Iri Kuronga Kupihwa Bazi Rezvekurima Mubhajeti Regore Rinouya05.4109-12-2024
6Varimi Votyira Kukanganisirwa Fodya neMvura Yawandisa05.8924-02-2025
7Apo Mvura Iri Kuenderera Mberi Kunaya muNyika, Varimi Vari kuKurudzirwa Kuchidyara Mbeu Dzinokasika Kuibva 07.0306-01-2025
8Vamwe Vagari vekwaMutoko Vogadzira Vega Chikafu Chezvipfuwo Vachishandisa Michero yeSango05.2906-12-2024
9Varimi Votyira Kufa kweZvipfuyo Zvavo Sezvo Chirwere cheAnthrax Chouraya Mhuka dzeMusango08.7131-08-2024
10Vamwe Varimi Vanoti Vari Kufara neZvakabuda muMusangano weKuzeya Nyaya yeKuti Vave Varidzi veMinda 08.1617-12-2024

Классификация: . Схожих патентов: 0. Схожих новостей: 10. Тональность: 0. Информативность: 7.54. Источник: www.voashona.com.