Вход на сайт

Просмотр новости

Найдите то, что Вас интересует

Varimi vekuGokwe Vorima Mavise

Дата публикации: 31-10-2024 20:43:35

Vamwe varimi kuGokwe South vanoti vave kurima mavisi sezvo ari kuvapa cheuviri kudarika zvimwe zvirimwa. 
Varimi vakawanda mudunhu reGokwe South vanoti vava kurima mavisi sezvo ari kuvapa mari yakanaka chose kana zvichienzaniswa nezvimwe zvirimwa.
Murimi akatanga kurima mavisi kana kuti manwiwa mubindu rake, ndiVajames Siwela, avo vanogara mudunhu raIshe Sai, mubhuku raMuzvaramhaka.
VaSiwela vanoti, “Ini pfungwa iyi ndakaiwana pandakamboenda kuMvuma, ndikauya ndikazviyedzawo munzvimbo ino mugore ra2018."
Vaenderera mberi vachiti, "Kunyange ndaive ndisina ruzivo rwakanyanya, ndakaita mari yakanaka nekutengesa mavise aya. Kutaura kuno, ndakwanisawo kutenga mombe dzangu, zvikwanisiro zvepamusha, uyewo mhuri yangu haina nzara. Ndakatengawo pombi yemvura yekudiridzisa. Gore rino ndiri kutarisira kutengawo tank remvura kuitira kuti kurima kuite nyore.”
Mumwe murimi akatanga kumarima mavisi gore rino mubhuku raMuzvaramhaka, VaDenis Katazo, vanoti chirimwa ichi chashandura hupenyu hwavo. Vaudza Studio 7 kuti,  “Ini ndaitora kurima mavise zvebhizimusi sedambe, asi pandakati ndimbozamawo gore rino, sezvo ndaiona tezvara vangu vachiita mari nawo, ndakati ndipindewo mazviri nemazvo." 
Vatizve,  "Kutaura kuno, mhuri yangu iri kufara nekuti zvinodiwa zvese pamusha, zviripo. Ndinokurudzira vamwe vemunzvimbo ino kuti vapindewo mubhizimusi remavise.”
Asi mumwe murimi, VaTaurai Zingwevhu, vanoti ruzivo rwuchiri rwushoma muvarimi vemavisi. Vati, “Ini ndakatanga gore rino uye ndakatowana kamari kari nani chose, zvatondipa shungu dzekuti ndipamhe zvekare gore rinouya. Tikawana ruzivo rwakazara pamusoro pekurima mavise, ndinovimba kuti tinokwanisa kuwana goho rakakura kudarika zvatiri kuwana.”
Varimi ava vanoti pamwedzi mina yavanorima mavisi, vanogona kuwana mari iri pakati pechiuru nechidimbu chemadhora ekuAmerica (US$1 500), kusvika pamadhora zviuru zvina ($4 000), kana varima nzvimbo inosvika hekita.
Varimi vakawanda vanoti kurima mavisi kwava nani pane kurima donje, iro rainyanya kurimwa munzvimbo iyi, sezvo mari inobva mudonje iri shoma, uye richida basa rakawanda rinosanganisira kusakura, kufirita donje iri kuti risavhiringwe netupuka.
Sabhuku webhuku rekwaMuzvaramhaka, VaNorbert Dube, vari kukurudzira vamwe vagari vemunzvimbo mavo kuti varime mavisi, asi vachichemawo nedzimwe mari dziri kuzotengwa nadzo chirimwa ichi. VaDube vati, “Zvingatiitira zvakanaka dai taiwana vamwe vanhu vanouya kuzotenga mavise edu, nekuti vari kuuya varikutiudza mitengo yavanoda, isuwo tiine mitengo yatinoda." Vaenderera mberi vachiti, "Iri idambudziko guru randinoti kana muchikwanisawo, mutibatsire.”
Nyanzvi munyaya dzekurima mavisi, uye vari murimisi, VaKnowledge Mavivi, vanoti , “Kana murimi afunga kuita manwiwa, anofanira kutanga aziva kuti ivhu rake rine kudya kwakamira sei, kuitira kuti agoziva huwandu hwefoteriza hunodiwa kupindamo." 
'"Chechipiri, mbeu yacho inofanira kudyarwa makachena. Chetatu, kana zvichibvira, vhiki rega rega munda unoda kuiswa mishonga yekuuraya zvipukanana nekudzivirira zvirwere. Mvura inofanirawo kunge yakaringana kwete kuzoshomeka. Kana tikaita zvese izvi, tinowana goho rakanaka, rinotengesekawo nyore uye nemutengo wakanaka.” VaMavivi vaudza Studio 7.
Nyanzvi mune zvemaindasitiri uye vari sachigaro wesangano reCEO Africa Round Table, VaOswell Binha, vanoti varimi vemavisi ava, vanokwanisa kuwana mari yakawanda pabhizimusi ravo, dai vabatsirwa neindasitiri yechirimwa ichi.
VaBinha vati, “Zvandiri kuona kuGokwe ndezvekuti senyika hatisati tava nemari, njere nechido chekuti tinge tichigadzira maindasitiri nemichina inobatsira varimi vanoita manwiwa, madomasi nechibage." 
Vaenderera mberi vachiti,  "Nyika yedu inofanira kupinda mukufungisisa kuti tingatengesa sei zvirimwa nemichero yedu zvavandudzika kuitira kuti tiwane mari yakawandawo kubva mazviri. Variko vanoda kuzosima mari munyika nekuisa maindasitiri akadai, asi vanoda kuuyawo munyika ine magetsi, migwagwa, njanji nemari yakasimba.”
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende  pakurudziro yaVaBinha, panehuwandu hwemanwiwa ari kurimwa pagore rega rega.
Asi varimi vakawanda kuGokwe South, vanoti vacharamba vachiwedzera goho ravo remanwiwa, sezvo chirimwa ichi chichiita zvakanaka munguva yemvura shoma, uye ciine basa shoma rinodiwa kudzama chakohwewa.
Asi sekutaura kwevakawanda, varimi ava vanoti vanodawo ruzivo rwepamusoro pamarimirwo nemakohwerwo echirimwa ichi, uye kuti munyika muve nemusika wakanangana nechirimwa ichi.
Manwiwa anonyanyorimwa muZimbabwe ndeemhando ye Charlestone Grey neCrimson Sweet.
 
Основное содержимое страницы с новостью.

Схожие новости

#Наименование новостиТональностьИнформативностьДата публикации
1Vamwe Vakaremara Vanoti Vari Kutarisira Kukohwa Pakuru07.5412-02-2025
2 Varimi Vakawanda Vanoti Havasi Kufara Nemari Iri Kuronga Kupihwa Bazi Rezvekurima Mubhajeti Regore Rinouya05.4109-12-2024
3Nyaya Yekuti Vakapihwa Mapurazi PachenaVakwanise Kuatengesa Yokonzera Mutauro08.116-10-2024
4Kunaya kweMvura Kounza Mufaro Pamwe Nekusuwa muNyika06.5612-11-2024
5Vanhu Vorarama neMichero yeMusango kuMbire Vachiti Chikafu Chavari Kupihwa neHurumende Hachisi Kukwana06.0812-10-2024
6Varimi Votyira Kukanganisirwa Fodya neMvura Yawandisa05.8924-02-2025
7Apo Mvura Iri Kuenderera Mberi Kunaya muNyika, Varimi Vari kuKurudzirwa Kuchidyara Mbeu Dzinokasika Kuibva 07.0306-01-2025
8Vamwe Vagari vekwaMutoko Vogadzira Vega Chikafu Chezvipfuwo Vachishandisa Michero yeSango05.2906-12-2024
9Varimi Votyira Kufa kweZvipfuyo Zvavo Sezvo Chirwere cheAnthrax Chouraya Mhuka dzeMusango08.7131-08-2024
10Mombe Dzakawanda Dzofa Nekushaya Mvura neMafuro09.3811-11-2024

Классификация: . Схожих патентов: 0. Схожих новостей: 10. Тональность: 0. Информативность: 7.54. Источник: www.voashona.com.