Вход на сайт

Просмотр новости

Найдите то, что Вас интересует

SADC neMamwe Masangano Anobatsira Vanoti Dunhu Rinoda Rubatsiro neKukasika Kuti Rirwisane neNzara

Дата публикации: 04-12-2024 01:21:30

WASHINGTON DC — Sangano reSADC rakabatana nemamwe masangano anobatsira mudunhu rekuchamhembe kweAfrica, rinoti pari kudiwa rubatsiro rwechimbichimbi kuitira kurwisa dambudziko renzara rapfunya chisero munyika dziri mudunhu iri.
Dunhu reSADC rine nzara yakakonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura izvo zvakakonzerwa ne Elnino.
Svondo rapera, SADC yakabatana neUnited Nations pamwe nemamwe masangano ichizeya dambudziko renzara mudunhu iri pamusangano wakaitirwa kuVictoria Falls.
Musangano uyu wakabuda nezvisungo zvinosanganisira kukomekedza dzihurumende dzemuSADC nemasangano anobatsira kuti vawedzere matanho ekupedza matambudziko ari kukonzerwa nenzara.
Hofisi yezvekubatsirwa kwevarimi kurima zvakanaka mubazi rezvekurima yeAgricultural Extension Services yakazivisa kuti mudunhu re Matebeleland chete makafa zvipfuwo zvinosvika zviuru makumi, 10 000 gore rino nekuda kwenzara iri munyika.
Hurumende inoti iri kupa kudya kwezvipfuwo nevanhu kumatunhu ane nzara yakanyanya asi vamwe vanoti zvekudya izvi hazvisi kusvika nenguva uye zvinopihwa vanhu zvichitariswa kuti uri webato ripi kana kuti wabuda mumba maani.
Vachiparura svondo rapera hurongwa hwebhajeti regore rinouya, gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakati vachaisa mari inosvika mamiriyoni gumi nematatu ema ZiG yekubatsira nayo vari munzara.
Vakatiwo vanotarisira kuwana rubatsiro rwemamiriyoni zana negumi kubva kumasangano anobatsira, chero hazvo masangano aya ari kuti ari kutadza kuwana mari inokwana kubatsira vari munzara pari nhasi.
Nyanzvi munyaya dzechikafu nebudiriro, vaimbove mukuru wesangano reChristian Care International MuZimbabwe, Mufundisi Forbes Matonga, vanoti nzara iriko gore rino iri nani pane mamwe makore nekuti chero hazvo kusina gohwo rakanaka, zvekudya zviri kuwanikwa muzvitoro.
Asi vanoti chikuru chinodiwa kuti zvekudya izvi zvisvike patafura imari yekuti vanhu vakwanise kutenga zvavanoda.

Основное содержимое страницы с новостью.

WASHINGTON DC — 

Sangano reSADC rakabatana nemamwe masangano anobatsira mudunhu rekuchamhembe kweAfrica, rinoti pari kudiwa rubatsiro rwechimbichimbi kuitira kurwisa dambudziko renzara rapfunya chisero munyika dziri mudunhu iri.

Dunhu reSADC rine nzara yakakonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura izvo zvakakonzerwa ne Elnino.

Svondo rapera, SADC yakabatana neUnited Nations pamwe nemamwe masangano ichizeya dambudziko renzara mudunhu iri pamusangano wakaitirwa kuVictoria Falls.

Musangano uyu wakabuda nezvisungo zvinosanganisira kukomekedza dzihurumende dzemuSADC nemasangano anobatsira kuti vawedzere matanho ekupedza matambudziko ari kukonzerwa nenzara.

Hofisi yezvekubatsirwa kwevarimi kurima zvakanaka mubazi rezvekurima yeAgricultural Extension Services yakazivisa kuti mudunhu re Matebeleland chete makafa zvipfuwo zvinosvika zviuru makumi, 10 000 gore rino nekuda kwenzara iri munyika.

Hurumende inoti iri kupa kudya kwezvipfuwo nevanhu kumatunhu ane nzara yakanyanya asi vamwe vanoti zvekudya izvi hazvisi kusvika nenguva uye zvinopihwa vanhu zvichitariswa kuti uri webato ripi kana kuti wabuda mumba maani.

Vachiparura svondo rapera hurongwa hwebhajeti regore rinouya, gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakati vachaisa mari inosvika mamiriyoni gumi nematatu ema ZiG yekubatsira nayo vari munzara.

Vakatiwo vanotarisira kuwana rubatsiro rwemamiriyoni zana negumi kubva kumasangano anobatsira, chero hazvo masangano aya ari kuti ari kutadza kuwana mari inokwana kubatsira vari munzara pari nhasi.

Nyanzvi munyaya dzechikafu nebudiriro, vaimbove mukuru wesangano reChristian Care International MuZimbabwe, Mufundisi Forbes Matonga, vanoti nzara iriko gore rino iri nani pane mamwe makore nekuti chero hazvo kusina gohwo rakanaka, zvekudya zviri kuwanikwa muzvitoro.

Asi vanoti chikuru chinodiwa kuti zvekudya izvi zvisvike patafura imari yekuti vanhu vakwanise kutenga zvavanoda.

Схожие новости

#Наименование новостиТональностьИнформативностьДата публикации
1WFP Iri Kuyambira Kuti Inogona Kutadza Kuwana Chikafu Chinokwanira Zimbabwe neDzimwe Nyika dzemuSADC07.2317-10-2024
2WFP Inoti Zimbabwe Inogona Kunge Yatarisana neRimwe Dambudziko reKusanaya Zvakanaka kweMvura07.218-12-2024
3Vamwe Vakaremara Vanoti Vari Kutarisira Kukohwa Pakuru07.5412-02-2025
4 Varimi Vakawanda Vanoti Havasi Kufara Nemari Iri Kuronga Kupihwa Bazi Rezvekurima Mubhajeti Regore Rinouya05.4109-12-2024
5Zimbabwe Yakacherechedza Zuva Rekudyarwa Kwemiti ReNational Tree Planting Day Paine Kurudziro yekuti Veruzhinji Vadyarewo Miti07.1709-12-2024
6Vamwe Vagari vekwaMutoko Vogadzira Vega Chikafu Chezvipfuwo Vachishandisa Michero yeSango05.2906-12-2024
7Apo Mvura Iri Kuenderera Mberi Kunaya muNyika, Varimi Vari kuKurudzirwa Kuchidyara Mbeu Dzinokasika Kuibva 07.0306-01-2025
8WFP Inoti Kuwana Mari yeKubatsira Zimbabwe neChikafu Kuri Kunetsa010.4220-11-2024
9Varimi Votyira Kukanganisirwa Fodya neMvura Yawandisa05.8924-02-2025
10Vamwe Varimi Vanoti Vari Kufara neZvakabuda muMusangano weKuzeya Nyaya yeKuti Vave Varidzi veMinda 08.1617-12-2024

Классификация: . Схожих патентов: 0. Схожих новостей: 10. Тональность: 0. Информативность: 6.37. Источник: www.voashona.com.